dcsimg

Nungu ( Shona )

provided by wikipedia emerging_languages
 src=
Nungu

Nungu, njenje kana ngara (porcupine in English) imhuka iri mumhuri yemakonzo inozivikanwa nekuva neminzwa yainokana inobaya. Nungu inoti kana chikara chasvika pedyo inokanda minzwa iyi inoti kana imbwa dzinotya kusvika pedyo nenungu.

Vatauri vadzimwe nzvimbo vanoti gwewewe kana gungumbani.

Magariro

Nungu dzinowanikwa muAfrica, Asia uye South neNorth America. Mhuka idizi dzinowanikwa mumasango; mugwenga; muzasi memakomo uye munzvimbo dzine matombo.

Panoda kujekeswa kuti nungu ndiyo ngara here?

Mitauro yeBantu

  • Izwi rokuti chaminungwe (porcupine), rinotaurwa mururimi rweVaIla kureva nungu.
  • Vatauri veLunyoro vanoti enyamunungu kureva nungu.
  • Izwi rokuti munungu (quill of porcupine) rinotaurwa mururimi rweLenje.
  • Vatauri veSwahili, Digo neGiryama vanoti nungu (porcupine) kureva nungu.
  • VaDigo vanoti nungumariya (n. hedgehog).
license
cc-by-sa-3.0
copyright
Wikipedia vanyori nevagadziri

Nungu: Brief Summary ( Shona )

provided by wikipedia emerging_languages
 src= Nungu